Zimbabwe Catholic Shona Songs - Ndakafara

Zimbabwe Catholic Shona Songs - Ndakafara

Ndakafara Ndakafara – J. Kaseke



M:S/A Ndakafara-a, ndakafara vanhu vachiti kwandiri
V:All Handeyi kuimba yaTenzi ndiko kunoenda marudzi emhuri dzaIsraeri --- vachindovonga Tenzi sezvaakavaraira


Madetembo:
1. Nokuti ndiko kunotongerwa mhosva ndiko kunogara Mambo achitonga vanhu vake
2. Kumbirirai Yerusarema kuti rive norugare vanokuda ngavabudirire
3. Runyararo ngaruve norusvingo rwako norugare ngaruve mumizinda yako
4. Pamusana pehama dzangu neshamwari dzangu ndinoti rugare ngaruve mukati mako
5. Ndinokunamatira kuti ubudirire pamusana peimba yaTenzi Mwari wedu


Chorus:
S/A --- Tsoka dzedu dzatsika mumazambara ako iwe, iwe Yerusarema guta rakadzorerwa runako norugare, iwe Yerusarema guta rakadzorerwa, ndafaraha tsoka dzedu dzatsika
B Saka zvino --- dzatsika mumazambara ako iwe Yerusarema guta rakadzorerwa runako norugare, Yerusarema, guta rakadzorerwa ndafaraha tsoka dzedu dzatsika

0 Comments