Zimbabwe Catholic Shona Songs - Chiedza Chingawirirana Seiko Nerima

Zimbabwe Catholic Shona Songs - Chiedza Chingawirirana Seiko Nerima


Verses - 57 Chiedza Chingawirirana Seiko Nerima R.A. Augusto


M: S/A Chiedza chingawirirana seiko-o nerima
V: S/A Ko kururama - seiko uyezve munhu imba yaMwari-i sokutaura iye iye
achiti (x2)

B/T --- Kungabatanidzana-a nezvisakarurama anotenda mupenyu kwaakaita
iye Mwari achiti, Mwari achiti (x2)

S/A/T Musabata chinhu chakan’ora kuitira kuti ini ndigokugamuchirai (x2)
B Musabata musabata musabata kuti ini gamuchirai (x2)

Madetembo:


1. Ndichagara mavari ndichagara ndichifamba ndichifamba mukati mavo.
2. Ndichava Mwari wavo-o naivawo vachava vanhu vangu.
3. Saka zvino imi chibvai mabuda mukati mavo muzvitsaure ndizvo zvinotaura Tenzi.
4. Musabata chinhu chakan’ora kuitira kuti ndigokugamuchirai.
5. Ndichava Baba venyu nemiwo muchava vanakomana vangu navanasikana vangu.

Chorus:


T Zvino vadikanwa zvipikirwa zvakadai uyai tizvichenure-e zvinon’oresa-a
titsvake nokudawo kokugara nokuda-a tichitya Mwari
A Vadikanwa zvipikirwa zvakadai uyai tizvichenure-e zvinon’oresa-a 25
titsvake nokudawo kokugara nokuda-a tichitya Mwari
S/B Zvatine zvipikirwa zvakadai chiuyaiwo pana zvose muviri nomweya kuva
vanhu vatsvene nokudawo kokugara nokuda-a tichitya Mwari.

1 Comments