Zimbabwe Catholic Shona Songs - Tichazova naMambo Narini

Zimbabwe Catholic Shona Songs - Tichazova naMambo Narini

Tichazova NaMambo – J .L.Kaseke Chalekao


M: S/A Tichazova naMambo narini wose
Ishe Jesu ndivo mufudzi akanaka anofira hwai dzake…
V: S/A Hama dzangu hatisiri kuda kuti musazive nezvavafi kana kuti murase moyo pamusana pavo sezvinoitwa navasina chitarisiro
B/T Hama dzangu --- kuda kuti musazive nezvavafi --- murase moyo pamusana pavo sezvinoitwa navasina chitarisiro


A Ini ndiri mufudzii, mufudzi wakanaka, ndiri mufudzi wakanaka ndini
mufudzi ane rudoo.
B Ndiri mufudzi wakanaka, ndiri mufudzi ane rudo, ndini wakanaka,
mufudzi ane rudo
T Ndiri mufudzi, mufudzi wakanaka mufudzi, mufudzi, ane rudoo


Chorus 1:
T: Kana ndingashevedza makwai angu anonditevera ini, anonditevera
S/ A --- Makwai angu inini anonzwa izwi rangu, makwai angu-u, anonzwa
izwi rangu
B --- Makwai angu inii anonzwa izwi rangu, anonzwa izwi rangu, makwai
angu inii


Madetembo:
1. Izvi ndizvo zvandinokuudzai sedama raMambo
2. Nokuti iye Mambo pachake achaburuka kudenga pakudaidzira kwezwi raAngere napakuridzwa kwehwamanda yaMwari
3. Potai muchinyaradzana namashoko aya sezvo tichazova naMambo narini wose


Chorus:
S/A Inga tinotendera kuti Yesu akafa akamukazve inga tinotendera ndizvowo
zvichazoitwa naMwari kuna avo vakafa vakabatana naKristo
B/T --- Inga tinotendera kuti Yesu akafa akamukazve --- inga tinotendera
ndizvowo zvichazoitwa naMwari --- avo vakafa vakabatana naKristo

0 Comments