Zimbabwe Catholic Shona Songs - Muranda Asiri Iye Muridzi weHwai

Zimbabwe Catholic Shona Songs - Muranda Asiri Iye Muridzi weHwai

Muranda Asiri Iye Muridzi – B. Chimoyo


M: S/A Muranda asiri iye muridzi we hwai anotiza makwai……
Ishe Jesu ndivo mufudzi akanaka anofira hwai dzake…
V: All Kana mhumi youya---aaa.
B Ishe Jesu anoti
V:S Ini ndiri mufudzii, mufudzi wakanaka, ndiri mufudzi wakanaka-a-a
mufudzi ane rudo.


A Ini ndiri mufudzii, mufudzi wakanaka, ndiri mufudzi wakanaka ndini
mufudzi ane rudoo.
B Ndiri mufudzi wakanaka, ndiri mufudzi ane rudo, ndini wakanaka,
mufudzi ane rudo
T Ndiri mufudzi, mufudzi wakanaka mufudzi, mufudzi, ane rudoo


Chorus 1:
T: Kana ndingashevedza makwai angu anonditevera ini, anonditevera
S/ A --- Makwai angu inini anonzwa izwi rangu, makwai angu-u, anonzwa
izwi rangu
B --- Makwai angu inii anonzwa izwi rangu, anonzwa izwi rangu, makwai
angu inii


Chorus 2:
S Hakuchina munhu achamabvuta, mumaoko angu mumaoko angu naBaba
A Hakuchina munhu achamabvuta, mumaoko angu naBaba
T --- Hakuchina munhu achamabvuta, mumaoko angu, naBaba
B --- Hakuchina munhu achamabvuta, mumaooko angu, naBaba


Madetembo:
1.Baba vakandipa makwai aya ndivo vakuru-u vakurukuru kupinda vose
2.Ndakauya kuti ndidzipe hupenyu hupenyu husingaperii, hupenyu hwakanakaa,
husingaperii
3.Ndine dzimwe hwai dzisiri mudanga rino, ndinoda kuti dzigonzwawo i-izwi
ranguu hwai dzanguu

0 Comments