Zimbabwe Catholic Shona Songs - Vakazoziva Yesu Pakumedura
1075 Vakazoziva Yesu Pakumedura – S. Kalombo
M: Vakazoziva Yesu pakumedura kwaakaita chingwa
V: S/A Zuva rechiposhi revhiki – vadzidzi vaviri vaYesu – vakanga vachienda kuEmausi vachiri mukutaurirana Yesu pachake akasvika pavari –
ofambidzana navo – meso avo akabatwa nechidzimira ndosaka vasina kumuziva
T Zuva rechiposhi revhiki – vadzidzi vaviri vaYesu – vakanga vachienda kuEmausi vachiri mukutaurirana Yesu pachake akasvika pavari –
ofambidzana navo – meso avo akabatwa nechidzimira ndosaka vasina kumuziva
B Zuva rechiposhi revhiki – vadzidzi vaYesu –vakanga vachienda kuEmausi vakati vachitaurirana Yesu pachake akasvikapo ofambidzana navo – meso avo akabatwa nechidzimira ndosaka vasina kumuziva
Part 1:
All Meso avo akabatwa nechidzimira – ndosaka vasina kumuzivaMadetembo:
1.Yesu ndokuvati ko mashoko amuri kutaurirana ndeeiko?
2.Ndiwe wega here – ndiwe wega mweni muYerusarema asingazivi zvakaitikako
3.Mwoyo yenyu ine chinono chokutenda zvose zvakarehwa navatumwa vaMwari
4.Inga zvakanyorwa mumagwaro kubva kuna Mozisi navaporofita vose
Part 2:
M: Yesu akaita so-oda kupfuurira ivo ndokumuti x2
V: S/A Madi-i magara nesu madi-i magara nesu kunze kwavira zuva rarereka x2
B Madi-i magara nesu madi-i magara nesu --- kwavira zuva rarereka x2
T --- Madiiko magara-a nesu kunze kwavira zuva rarereeka x2
Part 3:
M: Kuzoti vava pakudya Yesu akatora chingwa
Yesu akatora chingwa akachikomborera ndokuvapa kuti vadye
V: S/A Meso avo akabva asvinudzwa – vakaziva kuti Kristo amuka – amuka zvechokwadi
B Meso avo akabva asvinudzwa – vakaziva kuti amuka – amuka Kristo zvechokwadi
T --- Akasvinudzwa meso avo ndokuziva kuti amuka Kristo zvechokwadi
0 Comments