Zimbabwe Catholic Shona Songs - Zuva Rokutonga KwaTenzi Rava Pedyo

Zimbabwe Catholic Shona Songs - Zuva Rokutonga KwaTenzi Rava Pedyo

Zimbabwe Catholic Shona Songs - Zuva Rokutonga KwaTenzi Rava Pedyo

Zuva Rokutonga KwaTenzi Rava Pedyo A. Munyanyi

Part 1:

M: S/A              Zuva rokutonga kwaTenzi rava pedyo
V: S/A              Zvanzi naTe-enzi ndichaparadza zvose zviri pasi pano, vanhu vose vakaipa hakunazve achazosara --- i-ni Tenzi ndi-ni ndazvitaura-a
B                      Zvanzi naTenzi ndichaparadza zvinhu zvose zviri pasi pano, vose vakaipa hakuna achazosara ini Tenzi --- ndini ndazvitaura-a

Madetembo:

1.         Ndichaparadza munhu wose anokwira pamusoro pemba achinamata zuva,
mwedzi, nenyenyedzi-i
2.         Ndichaparadza vaya vanondinamata vanotsidza kuti vanondida asi shure
kwezvo-o voitira zvimwe zvimwari miteuro
3.         Ndichaparadza vaya vakadududza vasingachadi kunditevera vaya vasingadi
kuuya kwandiri-i

Part 2:

Chorus:

M:        Rava pedyo pedyo zuva iro-o x2
S/A      Rava pedyo pindukirai kuna Tenzi pindukai nguva ichiripo-o
B ---     Rava pedyo pindukirai kuna Tenzi pindukai nguva ichiripo-o

Madetembo:

4.         Itai zvakarurama muzvirereke pamberi paTenzi rava pedyo pedyo zuva iro-o
5.         Pasi pachaparadzwa nomoto wokutsamwa kwaTenzi rava pedyo zuva iro
6.         Funga zvakanaka pinduka usati wafa zuva rokuratidza kutsamwa kwake risati
rasvika-a

0 Comments