Zimbabwe Catholic Shona Songs - Mweya waTenzi Mwari Uneni

Zimbabwe Catholic Shona Songs - Mweya waTenzi Mwari Uneni

666 Mweya waTenzi Mwari Uneni



Verses - Mweya waTenzi Mwari Uneni


M· S/A Mweya waTenzi Mwari uneni
VS/A Mweya waMwari Tenzi uneni nokuti ndiye akandizoora, akandituma kuti ndisvitse shoko, shoko rakanaka kuvarombo, nokufaranutsa vakadz vinyirirwa -a.
B Mweya waMwari Tenzi uneni nokuti Mwari ndiye akandizoora, akandi tuma kuti ndisvitse sboko, kuvarombo, nokufaranutsa vakadzvinyirirwa-a.



Madetembo:


l.Akandituma kuzonyaradza vane moyo inosuwa, nokuparidzira vabatwa rusununguko.
2. Ndakatumwa kuti ndiudze vanhu gore raMwari raachazotinzwira tsitsi nezuva rake rokutsiva .
3. Asi imi muchanzi vashumiri vaTenzi, vanhu vachakutii vashandiri vaMwari wedti.
4. Tenzi anoda kutonga kwakarurama, achandiitira zvakafanira mukutendeuka kwangu .

Chorus:


SIA Ndichafarira Tenzi Mwari wangu, ndichapururudzira Mwari wangu, no kuti akandipfekedza hanzu dzoruponeso akandifukidza nenguwo youruram

B Ndichafarira Tenzi, ndichapururudzira Mwari wangu, nokuti Mwari, akandipfekedza hanzu dzoruponeso akandifukidza nenguwo yoururarni .






0 Comments