Zimbabwe Catholic Shona Songs - Mwari Rudo

Zimbabwe Catholic Shona Songs - Mwari Rudo

Zimbabwe Catholic Shona Songs - Mwari Rudo




1045 Mwari Rudo - Vadikanwi Ngatidane Br P. Maropa

M:        S/A Vadikanwi ngatidane, ngatidane, vadikanwi ngatidane ngatidanee x2
T          Vadikanwii ngatida-ane ngatidane-e --- vadikanwii
B ---     Vadikanwii --- ngatidane --- vadikanwi ngatidanehe

Chorus 1

V: S/A Nokuti rudo runobva kuna Mwari nokuti rudo runobva kuna Mwari uyo ane rudo akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari
B --- Nokuti rudo runobva --- kuna Mwari --- rudo runobva --- kuna Mwari --- uyo ane rudoo --- akaberekwa naMwari --- uye anoziva Mwarii
T Nokuti rudo runobva kuna Mwari --- rudoo runobvaa kuna Mwari ane rudoo akaberekwa naMwari anoziva Mwarii

Part 1:

Chorus 2:

S/A      Mwari rudo rudooo Mwari rudo rudooo x2
B          Mwari rudo rudoo ruudo Mwari rudo x2
T          Vadikanwi ngatidane Mwari rudoo vadikanwi ngatidane Mwari rudo x2

Madetembo:


1.         Tsime rokutanga tsime rokutanga tsime rerudoo. Mwari rudoo
2.         Ani naani asingadi vamwe haana rudoo. Mwari ridooo.
All Mwari rudoo Mwari rudoo

Part 2:

Madetembo:


3.         Pane rudo hapana kutya hapana kutya.
    All    Munhu anopupuraha
4.         Rudo rwakakwanaa rwunodzinga kutya kwose rwunodzinga kutya kwose rudo
rwakakwana
    All    Munhu anopupuraha

Chorus:

S          Munhu anopupura pachena kuti Jesu mwana waMwari, kuti Jesu mwana waMwari ane rudo Mwari anogara maari iye achigara muna Mwari nokuti Mwari rudoo, Mwari rudoo Mwari rudo vadikanwi vadikanwi Mwari rudoo, Mwari rudoo Mwari rudo vadikanwi vadikanwi Mwari rudoo
A          Munhu anopupura pachena kuti Jesu mwana waMwari kuti Jesu mwana waMwari ane rudo Mwari anogara maari iye achigara muna Mwari nokuti Mwari rudoo, Mwari rudo vadikanwi Mwari rudo vadikanwi Mwari
rudoo, Mwari rudo vadikanwi Mwari rudo vadikanwi Mwari
rudoo
B          Munhu anopupura munhu anopupura pachena kuti Jesu mwana waMwari
kuti Jesu mwana waMwari, ane rudo Mwari anogara maari iye achigara muna Mwari Mwari rudoo Mwari rudo vadikanwi Mwari rudoo, Mwari rudo vadikanwi Mwari rudoo
T          Munhu anopupura pachena kuti Jesu mwana waMwari, Mwari anogara anogara maari iye achigara muna Mwari, Mwari rudo vadikanwi Mwari rudo vadikanwi Mwari rudo, Mwari rudo vadikanwi Mwari rudo
vadikanwi Mwari rudo

Madetembo:


1.               Tanga wada hama yako hama yako yaunoona ugoda Mwari, ugoda Mwari.
      All: Tsime rokutanga tsime rorudo
2.         Kana munhu achida Mwari ngaadewo hama yake somurairo watakapihwa
naMwari, somurairo watakapihwa naMwari.
     All: Tsime rokutanga tsime rorudo
3.         Vadikanwi kana tichidanaa kana tichidanaMwari anogara nesu Mwari anogara nesuu

S/A      Tinofanira kudana kana Mwari akatida Mwari akatida vadikanwii kana tichidana Mwari anogara nesu rudoo rwake rwunozara matiri ruudoo Mwari rudoo Mwarii rudo rudo ruudoo Mwari rudoo
B ---     Tinofanira kudana kana Mwarii akatida kana Mwari akatida vadikanwi vangu kana tichidana Mwari anogara nesu rudoo rwake runozara matiri rudoo rwake runozara matiri rudo rwake runozara matiri – Mwari ruudoo, Mwari rudoo
T          Mwari wakatida isu Mwari wakatida Mwari wakatida isu Mwari
wakatida, nokutitumira Jesu, Jesu mwana wake kuti ave mudzikinuri wedu, wedu, ave mudzikinuri wedu, Mwari rudo, vadikanwi vangu, Mwari rudo Mwari ruudoo

0 Comments