Zimbabwe Catholic Shona Songs - Hake Uyo Akatsungarara

Zimbabwe Catholic Shona Songs - Hake Uyo Akatsungarara



Zimbabwe Catholic Shona Songs - Hake Uyo Akatsungarara


Hake Uyo Akatsungarara – A.R. Augusto


M: S/A Hake uyo akatsungarara
V: S/A Inga wani --- nezvokutsungarara makazvionera wakazomuitirei
Nokuti Mambo anonzwira tsitsi anonzwira tsitsi nourombo
B Makanzwa nezvo --- kwaYobo kuti Mambo pakugumisira nokuti Mambo
anonzwira tsitsi anonzwira nourombo


Part 1:

Madetembo:


1. Nemiwo mirirai makatirira nokuti kuuya kwaMambo kwava pedyo-o-o, simbaradzai moyo yenyu.

2. Hama dzangu regai kunyunyutirana mungadai mukazotongeswa-aa, simbaradzai moyo yenyu.

3. Chionai mutongi atosvika ava pamusuwo-o-o, simbaradzai moyo yenyu.

4. Teverai muenzaniso wokutirira matambudziko-o-o, simbaradzai moyo yenyu.


Chorus:


S/A Imi hama dzangu kudakara Mambo auye-e
Murimi anotirira achimirira-a akangotarisira kuuya kwemvura
yomunakamwe neyezhizha
B Tirirai tarisai zvinoita anotirira achimirira zvinoberekwa neivhu
zvakakosha, tarisira imi hama dzangu zvakakosha neyezhizha

Part 2

Madetembo:


1.Kupinda zvose vehama musatongopika musatongopika nedenga

2.Kana napasi kana neimwewo musatongopika mhiko hayo

Chorus:


S/A Kana muchiti hongu kana muchiti kwete mungadaro mukazvipinza
mumhosva
B Ingotii hongu ingotii kwete mungadaro-o mumhosva

0 Comments