Zimbabwe Catholic Shona Songs - Muranda Asiri Iye Muridzi weHwai

Zimbabwe Catholic Shona Songs - Muranda Asiri Iye Muridzi weHwai


Muranda Asiri Iye Muridzi we Hwayi

M· SIA Muranda asiri iye muridzi we hwai anotiza makwai ......
Ishe Jesu ndivo mufudzi akanaka anofira hwai dzake . ..
V:All Kana mhumi youya---aaa.
B Ishe Jesu anoti
V:S Ini ndiri mufudzii, mufudzi wakanaka, ndiri mufudzi wakanaka -a-a mufudzi ane rudo.
A Ini ndiri mufudzii, mufudzi wakanaka, ndiri mufudzi wakanaka ndini mufudzi ane rudoo.
B Ndiri mufudzi wakanaka, ndiri mufudzi ane rudo, ndini wakanaka, mufudzi ane rudo
T Ndiri mufudzi, mufudzi wakanaka mufudzi , mufudzi, ane rudoo

Chorus 1:

T: Kana ndingashevedza makwai angu anonditevera ini, anonditevera
SI A --- Makwai angu inini anonzwa izwi rangu, makwai angu-u, anonzwa 1zw1 rangu
B --- Makwai angu inii anonzwa izwi rangu, anonzwa izwi rangu, makwai angu inii

Chorus 2:

S Hakuchina munhu achamabvuta , mumaoko angu mumaoko angu naBaba
A Hakuchina munhu achamabvuta , mumaoko angu naBaba
T --- Hakuchina munhu achamabvuta, mumaoko angu, naBaba B --- Hakuchina munhu achamabvuta, mumaooko angu, naBaba

Madetembo:

l.Baba vakandipa makwai aya ndivo vakuru -u vakurukuru kupinda vose
2. Ndakauya kuti ndidzipe hupenyu hupenyu husingaperii , hupenyu hwakanakaa , husingaperii
3. Ndine dzimwe hwai dzisiri mudanga rino, ndinoda kuti dzigonzwawo i-izwi ranguu hwai dzanguu

0 Comments