Zimbabwe Catholic Shona Songs - Patinopira Chingwa Newaini (Torai Zvose)

Zimbabwe Catholic Shona Songs - Patinopira Chingwa Newaini (Torai Zvose)



Verses:  853 - Patinopira Chingwa Newaini – W. Nhemachena


M: S/A Patinopira chingwa newaini
V: S/A Yesu anotitora nokutipinza mumupiro wake
B Mwari Baba --- anotitora nokutipinza --- mumupiro

Madetembo:


1. Zvino munoona pachena zvatinoda kuita

2. Kare makafadzwa neropa rezvipfuwo kana nezvibereko zveminda

3. Zvino munoda rupenyu rwomunhu

4. Munoda muviri wake, njere, moyo nomweya wake

5. Munoda mabasa ake nhamo nemifaro yake

6. Gamuchirai zvose zvatiinazvo

7. Zvose ndezvenyu

8. Chingwa newaini zvichazova muviri neropa raYesu

Chorus:


S/A Mambo torai zvose hapana chatinoda kuzvichengetera
B --- Mambo torai zvose, hapana --- kuzvichengetera

0 Comments